Текст пісні Munyaradzi - Jah Prayzah

Munyaradzi - Jah Prayzah
Інформація про пісню На цій сторінці ви можете ознайомитися з текстом пісні Munyaradzi , виконавця -Jah Prayzah
У жанрі:Музыка мира
Дата випуску:19.05.2020
Мова пісні:Суахілі

Виберіть якою мовою перекладати:

Munyaradzi
Hee chiriyo dzamara tasangana
Wandigumbura, wandigumbura
Wandigumbura, wandigumbura
Ndizvozvo dzamara tasangana
Wandigumbura, wandigumbura
Wandigumbura, wandigumbura
Ipapo pandaigara
Ipapo dhiya ndipo pawaigarawo
Ipapo pataivata
Dzimwe nguva tairumwa nemarize
Zviri mberi
Taingobvunza Mwari
Mutemberi
Kumberi kunei?
Kunyangwe mvura yekutambudzika
Payaidzika nematama ndaivepo
Kuva munyaradzi
Ndini ndaive munyaradzi
Kuva munyaradzi
Ndini ndaive munyaradzi
Akazondisiya ndirimo munhamo ndega
Tokonyana, tanga tatokonyana
Ko seiko Mwendamberi mayaura mega?
Takonana, tanga tatokonana
Ndakamuti chiriyo, tosangana mberiyo
Takanyana, tanga tatokanyana
Homwe yakazosara yozara nemazana
Tapokana, tanga tatopokana
Asi watokanganwa kamhepo kaitirova muchando?
Gumbeze rimwe chete rawaiziva ndini wako
Wakambotsva maoko nekapoto kasina mubato
Mbuya yakakurapa takaiwana tafamba chinhambo
Inga watovaraidzwa nemaruva semavara eshato
Dai ndaive nemari nguva yacho, ndaingoronga muchato
Vaizongotiona tapota nesango
Dai ndaiva nemari nguva yacho, ndaingoronga muchato
Vaizongotiona tapota nesango
Paizouya mhepo ndini ndaive bako
Kunyangwe mvura yekutambudzika
Payaidzika nematama ndaivepo
Kuva munyaradzi
Ndini ndaive munyaradzi
Kuva munyaradzi
Ndini ndaive Munyaradzi
Akazondisiya ndirimo munhamo ndega
Tokonyana, tanga tatokonyana
Ko seiko Mwendamberi mayaura mega?
Takonana, tanga tatokonana
Ndakamuti chiriyo, tosangana mberiyo
Takanyana, tanga tatokanyana
Homwe yakazosara yozara nemazana
Tapokana, tanga tatopokana
Haiwa hurombo mukoma, ndainge ndakashoreka
Asi muhana tainge tavaka hukama
Ndoyedza kuvata wanike kwayedza
Varume ko inga kwachena
Asi handina chiedza
Zvese zviye, zvese zviye
Kwaingova kutungana kwembudzi varume
Anouya kuhope ndirere
Hope dzacho ndedzerume rudzi varume
Zvese zviye, zvese zviye (here zvaguma)
Kwaingove kutungana kwembudzi varume (here zvapera)
Anouya kuhope ndirere (zvaguma)
Hope dzacho ndedzerume rudzi varume (here zvapera)

Поділіться текстом пісні:

Напишіть, що ви думаєте про текст пісні!

Інші пісні виконавця:

НазваРік
2017
2017
2021
2021
Hondo
ft. Killer T, Jah Prayzah
2018
2017
2017
2017
2019
2020
2020
Miteuro
ft. Zimpraise
2020
2020