| Kumura ngowani |
| Pfugama nebvi rimwe chete |
| Wotorova gushu mukwasha |
| Denga riye rikatinhira |
| Tirikuda mbeu neanorima |
| Wotoona yekutamba mukwasha |
| Aaah wondimutsa nemutupo |
| Gara wangoziva kuti ndozviripo |
| Kana zvakunetsa mwana wangu dzora mukwasha |
| Uchatenga mombe uchabaya uchavhiya |
| Uchapura nyemba uchadzura nzungu dziya |
| Ende baba vati vanoda madhorofiya |
| Wotomhanya musango mukwasha |
| Pane andibira pombi yemvura |
| Kana zondo rangu randanga ndabvura |
| Vanhu vese vati bvunzai mukwasha |
| Pakati pevanhu vese varipo |
| Ndiani watigarira kumhepo |
| Zvakungonzi bvunzai mukwasha |
| Ndirikunzwa kuda kurova munhu |
| Ndirikunzwa kuda kubata munhu |
| Rega ndimbokurova mukwasha |
| Zvandapfuura nekudhamu |
| Inga ndakubatirai gwaya |
| Ndikamora mukoko wangu |
| Huchi husina mazana |
| Zvandapfuura nekudhamu |
| Inga ndakubatirai gwaya |
| Ndikamora mukoko wangu |
| Huchi husina mazana |
| Cherry yacho cherry oh yamakandipa imhenya yemwana |
| Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema |
| Cherry yacho cherry oh yamakandipa imhenya yemwana |
| Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema |
| Mukwasha jongwe iro |
| Muchamhabya naro kusvika maribata |
| Madzimbuya voda sadza remagaka |
| Changamire vati vanoda hari mukwasha |
| Zino rakaora muchando rinobanda |
| Handina mari yekudzurisa kani kani mukwasha |
| Vakatemwa nyora kare neimwe n’anga |
| Vatezvara vangu nharo vanodzikaka |
| Tungamira mombe tirime mukwasha |
| Asambeni famba nendima (asambeni famba nendima) |
| Asambeni famba nendima |
| Tsemura danda uratidze ukwasha |
| Asambeni famba nendima |
| Asambeni famba nendima |
| Asambeni famba nendima |
| Tibatire foro tirime mukwasha |
| Asambeni famba nendima |
| Asambeni famba nendima |
| Asambeni famba nendima |
| Kutakura danda ndokuti mukwasha |
| Asambeni famba nendima |
| Asambeni famba nendima |
| Asambeni famba nendima |
| Zvandapfuura nekudhamu |
| Inga ndakubatirai gwaya |
| Ndikamora mukoko wangu |
| Huchi husina mazana |
| Zvandapfuura nekudhamu |
| Inga ndakubatirai gwaya |
| Ndikamora mukoko wangu |
| Huchi husina mazana |
| Cherry yacho cherry oh yamakandipa imhenya yemwana |
| Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema |
| Cherry yacho cherry oh yamakandipa imhenya yemwana |
| Nyangwe zvikarema ndoita nharo dzaMalema |
| Pamoyo pamoyo |
| Ndipo paugere munzira yerudo |
| Tichafamba nemo nemo |
| Zorozo remoyo wangu ndiwe unogaramo |
| Madzoro yerudo anotumwa munhu nyeere |
| Akatema muonde akadenha (akatema muonde akadenha) |
| Zvakanaka chihombe zvakanaka (zvakanaka chihombe zvakana) |
| Zvakanaka chihombe zvakana |